Hwema Handarise

Amai vangu munoti baba vakatsakatika
Zita muchiti amuchaziva
Ko hama dzavo dziripi ko
Zwirimuropa zwirimuropa wema andirase

Munoti baba vakandiramba ndirimudumbu
Kutadzirana kwenyu vabereki
Ko ini mwana ndinizivei ko
Zwirimuropa wem' andirase

Zwirimuropa rangu kuti baba vangu vapenyu chete
Kutonotedza wema kwababa
Nerimwe zuva ndichavawana
Zwirimuropa wem' andirase

Ndinotenda nekundirera
Nekundirera kwamakaita

Ndinozwiziva hamudi nadizive kunababa
Ndinodzoka zwinozwino
Ndavawana nezita
Ndichavundza sei muchisema kundiona

Kana murimi mai makawana
Ndichadudza kuna baba

Zwirimuropa rangu kuti baba vangu varipo chete
Kutonotedza wema kwababa
Nerimwe zuva ndichavawana
Zwirimuropa wem' andirase

Oh ndinotenda nekundirera
Nekundirera kwamakaita

Rudo rwangu huri kunemi mai
Nekuna baba rudo rwangu ruzere
Ndonokudai sevabereki vangu
Zwirimuropa wem' andirase

Munoti baba vakandiramba ndirimudumbu
Kutadzirana kwenyu vabereki
Ko ini mwana ndinizivei ko
Zwirimuropa wem' andirase

Zwirimuropa rangu kuti baba vangu vapenyu chete
Kutonotedza wema kwababa
Nerimwe zuva ndichavawana
Zwirimuropa wem' andirase

Ndinotenda nekundirera
Nekundirera kwamakaita

Músicas mais populares de Oliver Mtukudzi

Outros artistas de Traditional music